Murume awa kubva pamusoro peFirst Mutual building mukwekwe


19 Apr 24

Click here to watch video

Pane murume awa kubva pamusoro pechivakwa cheFirst Mutual Centre nhasi mangwanani muguta reKwekwe.

Murume uyo ari kufungidzirwa kuti anogona kuve murwere wepfungwa adonha ,apo anga achiedza kuburuka pamusoro pechivakwa chirefu ichi.

Vazhinji vange vakaungana panzvimbo iyi vashaya romuromo nekuda kwechiitiko ichi.

Vaona zvichiitika vati ivo vashaya nzira yavaikwanisa kubatsira nayo sezvo zvisingazivikanwi kuti murume uyu akakwirapo sei.

Zviri kufungidzirwa kuti murume uyu anogona kunge atofirapo

Mapurisa anga asati asvika panyorwa nyaya iyi